Ngano ye Bitcoin kumwana ane makore mashanu

na Nik Custodio 2013/12/12open in new window

Kana usati wakuziva kuti Bitcoin chiiโ€ฆ

Chimboisa mupfungwa kuti takagara pachigaro mupark. Izuva rakanaka kwazvo.

Ndakabata apuro rimwe muruoko. Ndakupa apuro randange ndakabata.

Iwe wane apuro rimwe, inini ndasara ndisina chinhu.

Wazvinzwisisa here?

Ngaticherechedze zvaitika:

Apuro iri ndatambidzwa muruoko.

Unoziva kuti zvaitika. Ndanga ndiripo. Iwewe wangauripowo. Waribata ukaritambira.

Panga pasina mumwe munhu anotibatsira kutambidzana apuro iri. Panga pasina sekuru kana maiguru (hapana chizivano) vagara nesu vakatiudza kuti apuro riya rabva kwandiri rikapihwa iwewe.

Apuro raarako! Handichakwanise kukupa rimwe nokuti inini handisisina apuro. Handisisina masimba pamusoro peapuro iroro. Apuro iri raarako zvichireva kuti inini handisisina masimba pamusoro peapuro iri. Iwewe ndiwe wane masimba ese pamusoro peapuro iroro.

Unokwanisa kupa shamwari yako apuro iri kana uchida. Wakukwanisa kupa shamwari yako apuro iri, shamwari yako inokwanisa kupawo shamwari yayo.

Zvichienderera zvakadaro shamwari dzichingopanana.

Dudziro yekupanana inoratidza kupanana kunogona kuitika pakati pevanhu. Kupanana uku kwakangofanana nekupanana kunoitwa kana riri banana, bhuku remari, bond note kana dhoraโ€ฆ

Asi rega ndisanyanyo enda mberi!

Ngatidzokere kumaapuro aye!

Ngatiti ndine digital apuro rimwe. Ndakukupa digital apuro rimwe iroro. Ya! Zvakunakidza ka izvo.

Ndoziva sei kuti digital apuro ranga riri rangu rarako?

Chimbozvifunga zvekanguva kadiki?

Zvakunetsa zvakare ka? Unoziva sei kuti handina kutumira digital apuro kuna sekuru kana maiguru vaye patsamba yemumhepo? Kana kuti kuna sahwira wako Joe? Kana kuti kushamwari yako Lisa?

Pamwe ndakopa madigital apuro mashoma pacomputer yangu. Pamwe ndaisa mumhepo vanhu 1 000 000 vatomatora kubva ipapo pamhepo.

Izvi zvinoratidza kuti kutumirana pamhepo kunoti netsei. Kutumira madigitial apuro kunoti netsei pane kupanana maapuro mumaoko.

Dzimwe nyanzvi dze computer science dzine zita rekunetsa kwekutumira madigital apuro aya: kushandisa kaviri. Usanetsekana nazvo. Chako ndechekuziva kuti pane nguva refu zvichinetsa asi havasati vawana mhinduro panyaya iyoyo.

Mabhuku emari

Pamwe madigital apuro aya anofanira kucherechedzwa mubhuku remari. Iri ibhuku remari rinonyorwa mashandisirwo emadigital apuro aya.

Bhuku remari iri zvariri digital rinofanira kugara kumwewo kune munhu anorichengetedza.

Pamwe, kunge World of Warcraft. Blizzard, vanhu vakaita mutambo wepamhepo uyu, vane โ€œbhuku remari riri digitalโ€ pane zvese zviwanikwa zvemunharaunda yavo. Uye vanhu vakadaro vanokwanisa kuchengetedza mabhuku emari emadigital apuro aya. Ndizvozvo โ€“ pane mhinduro!

Zvinonetsa

Pane chinonetsa apa:

  1. Ko munhu wekuBlizzard akagadzira mamwe? Anokwanisa kungopamidzira madigital apuro kuhomwe yake paanodira!

  2. Zvakusiyana nezuva ratakange takagara pachigaro mupark paye. Paye mupark paingova newe neni. Kushandisa Blizzard kwakangofanana nekushandisa sekuru kana maiguru vaye(munhu wechitatu anozikanwa) pakupanana kwese kwatinoita tiri mupark.

Zvino ndichakupa sei digital apuro riya sezvatinosiita kana tiri pamwe chete?

Mhinduro yacho

Ko tikapa bhuku remari iri โ€“ ku vanhu vese? Pane kuti bhuku remari iri richengetwe pacomputer yekuBlizzard. Torichengetera pamacomputer evanhu vese. Kutengeserana nekutenga kwese kwemadigital apuro kwakaitika nguva yese iyi kuchachengeterwa ipapo.

Haukwanise kuitsotsa. Handikwanise kukutumira madigital apuro andisina, nokuti hazvizoringana nevanhu vese varikushandisa bhuku remari riri pamacomputer avo. Zvinonetsa kutsotsa bhuku remari iri kana zvadai. Kunyanya kana bhuku remari rawandirwa nevanhu.

Izvi zvinoreva kuti bhuku remari harichachengetwa nemunhu mumwe, uye zvakureva kuti hapana munhu anokwanisa kuzvipamidzira madigital apuro anopfurikidza arimo mubhuku remari. Mirairo wekushandisa bhuku remari iri waiswa kare. Mirairo yacho inowanikwa pese pamhepo. Vanhu vane ruzivo vanokwanisa kupamidzira, kuchengetedza nekucherechedza.

Iwewe unokwanisa kuva vamwe vevanhu vanoshandisa bhuku remari iri woongorora kuti zviri kuringana here. Kana wakwanisa kubatsira mashandisiro ebhuku remari iri ukabudirira unokwanisa kupihwa muripo we maapuro makumi maviri neshanu(25). Iyi ndoyega nzira yekupamidzira maapuro anobvumidzwa kuvapo mubhuku remari.

Ndanyanyozviita kuti zvinzwisisike (Ndanyanyozvirerutsa)

โ€ฆ asi bhuku remari randataura nezvaro ririko. Rinonzi mirairo yeBitcoin. Madigital apuro aya ndo maโ€œbitcoinsโ€ munhauranda iyi. Zvakarongeka ka!

Uye, waona zvaitika ka?Bhuku remari revanhu rinobatsirei?

  1. Uchiri kurangarira kuti bhuku remari rinoshandiswa ne chero munhu anoda? Huwandu hwe maapuro aya akatonyorwa mubhuku remari pakutanga kwazvo. Ndinoziva huwandu hwemaapuro aya. Imomo munharaunda yacho. Ndinoziva kuti anosvika pai(haana kuwandisa)

  2. Pandino chinjana newe ndozviziva kuti zviri pamirairo ipi nekuti iwe ndiwe wamuridzi wemadigital apuro andinenge ndakupa. Paiva nenguva yandaisakwanisa kudaro pazvinhu zviri digital. Zvicharatidzwa pacomputer yangu zvichibva zvaiswa mubhuku remari.

  3. Sezvo bhuku remari riri revanhu panga pasingadiwi munhu anotarisa kuti handina kuita hutsotsi kana kuti ndazvitumira madigital apuro akawanda.

    Munharaunda umu, kuchinjana kwe madigital apuro kwangofanana nekutambidzana kwe maapuro muruoko. Zvinongoda vanhu vaviri sevambopanana maapuro mupark. Panga pasingadi munhu wechitatu anenge sekuru kana maiguru vanoita kuti zvive zviri pamutemo.

Digital apuro yakangofanana ne apuro rinodyiwa navanhu.

Unoziva kuti zvakanakirei? Iri riri digital. Takukwanisa kuva ne mazana makumi(1000) kana kuti 1000 000 maapuro, kana 0.000001 apuro. Ndinokwanisa kutumira nekungodzvinya button ndichiisa muhomwe yako iri digital kunyangwe ndiri ku Nicaragua iwe uri ku New York.

Ndinokwanisa kuwedzera zvimwe zvinhu pamusoro pe digital apuro! Sezvo riri digital. Pamwe ndinoisa katsamba karidigital. Zvimwe ndokwanisa kuisa tsamba ye wirirano, kana bepa re zvipfuwo, kana bepa rekuzvarwa kwanguโ€ฆ

Zvakanaka izvi! Tinoisa huremu hwe madigital apuro aya sei?Anobatsira ka aya?

Vanhu vakawanda varikuita makakatanwa pamusoro pawo. Pane zvikoro zvemashandisiro epfuma varikutoita makakatanwa pamusoro pawo. Maonero akasiyana siyana arikuwanikwawo pakati pevatongi venyika nemaprogrammer. Musanyanyovateerera. Vamwe vane ruzivo, vamwe havana ruzivo. Vamwe vanoti nharaunda iyi ine hupfumi, vamwe vachiti nharaunda iyi haina kana mari zvachose. Mumwe ndiye akati apuro rimwe rinoita $ 1ย 300 pa apuro rimwe. Vamwe ndovanoti idigital goridhe, vamwe vachiti imari. Vamwe vanoti zvakafanana ne matulips. Vamwe vanoti zvichashandura nyika, vamwe vachiti kutambisirana nguva ndezvenhando.

Ini ndine mafungiro anguwo.

Inyaya yeimwe nguva. Asi iyezvino wane ruzivo runokunda vazhinji.

Recommend Reading (Updated 2017)

โ€œYou Donโ€™t Understand Bitcoin Because You Think Money is Realโ€open in new window by Maria Bustillosopen in new window is a good follow-up read.

You can also read more about Ethereum and Smart Contracts hereopen in new window. Enjoy!


Vatsigiri
BitMEX