Tichaita Sei Kuti Vanhu 7.753 Bhiriyoni Vepasi Rose Vatore Lightning Network?
by John Cantrell 2022/01/05open in new window
Ndakaverenga manhamba, ngatione kuti tingaite sei kuti vanhu vese vepasi rose vatange kushandisa Lightning Network, kuti zvingatore nguva yakareba sei, uye zvatingaita kuti tikurumidze kuita izvozvo.
Kuti vanhu vatange kushandisa Lightning Network, zvinoda kutumira btc mu2-of-2 multisig funding transaction nechannel partner yako. Kuti tishandise nzvimbo zvakanaka mutransaction iyi, tinoda 1 native segwit input nesingle channel funding output. Izvi zvinogadzira tx inokwanisa kusvika 121vbytes.
Kana 100% yema transactions mublock ari matransactions ekuvhura machannel, tinogona kutora vanhu 8,264 paLightning Network pablock rimwe nerimwe. Nehuhwandu hwevanhu pasi rose hunosvika 7.753 bhiriyoni, zvingatora mablocks 938,166 kana makore 17.8 kuti munhu wese pasi rose ave nechannel.
Tingaita zvirinani here? Totenda kuti, tine mikana yakasiyana siyana! Imwe nzira yatinogona kushandisa nhasi ndeye batching! Batching zvinoreva kuti tinogona kuvhura machannel akawanda mutransaction imwe chete. Izvi zvinoreva kuti imwe neimwe channel inogona kumiririrwa neimwe output mufunding transaction tx.
Kuwedzera kweoutput imwe neimwe kunoshandisa nzvimbo inogona kusvika 32vbytes. Nekushandisa batching, mukana wakanakisa ndewekuzadza block ne1 transaction ine 1 input uye nemaoutputs akati wandei atinokwanisa kuti akwane.Pa 32vbytes paoutput izvi zvinoreva kuti tinogona kuvhura machannel 31,247 pablock rimwe nerimwe!
Batching inotirerutsira basa ne3.78x uye inoderedza nguva yekutanga kushandisa Lightning Network kwepasi rose kuti kuve makore 4.7 chete. Izvi hazvina kushata, asi zvinofungidzira kuti tinogona kushandisa 100% yenzvimbo yeblock kwemakore anoda kusvika mashanu. Kana zvoitika pachokwadi, zvichaitika zvishoma nezvishoma kwenguva refu. Tingagone here kuita zvirinani?
Hongu tinogona kuti zviite, asi hazvisi (nyore) zvanhasi. Kugadzirisa kunotevera kungave kutsigira vanhu vanopfuura vaviri pachannel uye kushandisa kusanganisa masignature kuchengetedza saizi yeoutput idiki. Multiparty Channel inowedzera 2-of-2 multisig kusvika kune N-of-N multisig yakakura kuipfura.
Mukunyora, N inogona kuva 10, 100, kana 1000 chaiyo. Pavanhu gumi pachannel tinokwanisa kuisa vanhu 312,470 pablock uye pasi rose mumazuva 172 chete. Chero batching yakatipa kuvandudzwa kushoma mukushanda zvakanaka, mamultiparty channels anotipa mukana wekukura zvakanyanyisa panguva pfupi.
Mukunyora, zvinogona kuvakwa nhasi pasina kushandurwa kweBitcoin, asi zvinoda basa rakakura rekuinjiniya nekuda kwekuoma kwemaitiro epenalty mechanism yelightning. Symmetric settlement txs aEltoo anorerutsa zvakanyanya kushandiswa kunoita mamultiparty channels.
Saka tingakwanisa kubatsira vanhu vose vepasi rose kuti vashandise Lightning munguva yakafanira here? Zvinoita sekuti mhinduro ndeyekuti hongu, nenguva tichakunda. Ko vanhu vese vepasi rose vachada kuva paLightning here nekuda machannel avo vega here? Izvi hazvina anoziva, asi ndine tarisiro yekuti zvichadaro!