Bitcoin Yakafanana Ne

na Oleg Andreev 2017/12/10open in new window

Bitcoin yakafanana nemari yebepa: kana watenga kana kutengesa haukwanise kuzvichinja (shandura). Wakarasa homwe yekuchengetera mabitcoin, unenge warasa mabitcoin ako. Unokwanisa kupa mumwe munhu mabitcoin ako kuti akuchengetere, asi zvakafanana neku bhanga: unofanira kuvimba kuti vanhu vebhanga havatize nemari yako.

Bitcoin haina kufanana nemari yebepa: unokwanisa kuchengeta mabitcoin akawanda, sezvo isingatore nzvimbo yakawanda. Unokwanisa kutumira munhu wese wese mumhepo. Hapana anokwanisa kugadzira bitcoin yekunyepedzera. Haukwanise kupa munhu musekendi imwe: kuti unyatsoona kuti bitcoin yatumirwa unomirira maminetsi 10-15 kuti umboo hwecryptography hwaitwa uve mumhepo.

Bitcoin yakafanana negoridhe: haikwanise kugadzirwa pawadira, sezvo pane huwandu hwemabitcoin hunotenderwa kuvapo uye huwandu uhwu hwakatekeshera muspace time continuum(muchinguva). Kuti uwane mabitcoin panofanira kuita munhu anokupa, kana kuti โ€œunomachera pasiโ€ kunge goridhe. Bitcoin inovaima kunge goridhe: inokweva vanhu nokuti yakavakwa zvinoyemurika, ine ndimi yeku programmer yakavakwa kare, ine hunyanzvi hunokweva vanhu kwairi, inevimbiso yorusununguko.

Bitcoin haina kufanana negoridhe: Kuwana kwebitcoin kwakagadzirwa nenzira yekuti haikwanise kupfurikidza huwandu hwakatenderwa kare(pane huwandu wema bitcoin unotenderwa pa awa). Unoziva kuti chero zvadi hakuna munhu anokwanisa kuerekana angowana gomo regoridhe yama bitcoin kana kumatsvaga muma asteroids. Bitcoin yakarongwa kuti kukorokoza kwako kuringane nemitemo yehuwandu wemabitcoin aripo. Unokwanisa kuchera goridhe yakawanda muzuva rimwe, asi haukwanise kuita saizvozvo nemabitcoin kunyangwe uine macomputer emhando yepamusoro. Kuchera kwakwanyanya kunokwanisa kuchinja schedule mbichana(network inoita kuti pagadzirwe mablock 6 (matanhatu) pa awa, asi kana network yakanyanyo kura inokwanisa kugadzira 7-8 mablock pa awa.

Bitcoin yakafanana nebhanga: Pane macomputer, madatabases nekutengeswa kana kutenga. Madatabase anochengetedza mabitcoin ese akatengwa neakatengeswa: ndiani akatumira mangani kunaani. Zvese zviri digital. Hapana panochengeterwa goridhe kana kuti mabhokisi anoisirwa zvinhu, pane bhuku rimwe rekuchengetera mabitcoin(ledger).

Bitcoin haina kufanana nebhanga: Munhu wese anokwanisa kucherechedza kuti database yake ine bhuku rekuchengetera mabitcoin rakafanana neremunhu wese. Hapana nyanzvi inotarisirwa kuchengetedza bhuku rema bitcoin achitarisa kuti harina kukanganiswa. Munhu anokwanisa kuita homwe (accounts) dzakawanda dzisingazivikanwe(anokwanisa kuisa zita rake ega kuti azivikanwe). Bhuku rema bitcoin harichengetedze mazita evanhu, rinongochengeta huwandu hwema bitcoin ne maaccount number. Hazvigone kuti pave ne mabitcoin anoiswa padivi(fractional reserve) apo mari yakwereteswa (bank loans) inopfurikidza mari iri mubhanga. Izvi zvinoreva kuti hapana zvikwereti mubhuku remabitcoin:Une mari muhomwe yako(address) uye ndeyako kana kuti hauna zvachose. Uyezve Bitcoin inotendera kusunga mari nema โ€œcontractsโ€ (mapepa ewirirano): cryptographic puzzles akagadzirwa kuti sarudzo dzitekereshere kune vanhu vakawanda munguva yakareba.

Bitcoin yakafanana nemari yeMonopoly: macoin matoken asina zvaanomirira. Vanhu vanomapa huremu nokuti vanenge vasarudza kutamba mutambo wacho. Izvi zvakangofananawo negoridhe kana mari.

Bitcoin haina kufanana nemari ye Monopoly: Matoken emabitcoin ane huwandu hune mugumo zvichireva kuti hakuna anokwanisa kumagadzira. Kusagadzirika kwayo kunoreva kuti inoonekwawo napasi rose maonerwo anoitwa macoins egoridhe kana sirivha.

Bitcoin yakafanana neGit: Mu Git (distributed version control system) zvose zvachinjwa zvinorongwa muchain inochengetedzwa ne macryptographic hashes. Kana ukavimba nehash ichangoburwa, unokwanisa kuwana ruzivo rwezvese zvakaitika kare(kana kuti ruzivo rezvimwe zvakaitika kare) kubva kune source ipi zvayo, uchikwanisa kuzotairsa kuti zvinoringana ne zvawanga uchitsvaga. Kuma Bitcoin, zviitiko zvese zvakarongwa mumachains(blockchain), uye kana yarongedzwa, unokwanisa kuvimba ne chidimbu cheblockchain uchitarisa kuti chain yemahashes inobva pane hash yaunoziva kare. Izvi zvinobatsira kutekeshera kwe pekuchengetera nekucherechedza kwakareruka.

Bitcoin haina kufanana neGit: sezvo munhu wese achivavarira kushanda nesanzu rimwe. MuGit munhu wese anemasanzu akawanda neforogo achimabatanidza zuva rese. MuBitcoin haukwanise kubatanidza maforogo. Blockchain yakangofana ne muti uine ruzivo rematransaction ese akaitika, asi pagara panenge pane zisanzu (rinenge riine value) ne mamwe masanzu madiki (asingapfuriri one-two blocks) asina value maari. MuGit content yakakosha kupfura masanzu, muBitcoin kuwirirana kwevanhu vanoshandisa mabitcoin kwakakosha kupfura content.

Bitcoin yakafanana neBittorrent: Network yeBitcoin iri decentralised (haitongwe nebato kana munhu mumwe) zvachose, hapana โ€œmintโ€ kana โ€œbhangaโ€. Blockchain ifaira rimwe pabittorrent: iri cryptographically authenticated uye yakagovewa pamacomputer akawanda. Munhu wese anoshandisa mabitcoin, sevanochera mabitcoin vanoshanda vaine zvinzvimbo zvakafanana. Kana paine chidimbu chenetwork chakamira kushanda, matrasactions anoenda kune zvimwe zvidimbu zvenetwork. Network yese yakamira kushanda, ruzivo rwematransactions aitika anongochengetedzwa pamacomputer akasiyana siyana uye hapana mari inorasika. Kana vanhu vazokwanisa kuenda panetwork zvakare, vanokwanisa kutumirana matransactions sepasina zvamboititika. Bitcoin ne Bittorrent inokwanisa kuvapo mushure me hondo yezvombo zviri nuclear yapera, sezvo ruzivo rwemabitcoin rusingarasike muhondo. Ruzivo rwemabitcoin runokwanisa kuchengetedzwa zvakare.

Bitcoin haina kufanana neBittorrent: kunze kwemafaira ari independent, kune faira rimwe rinopamidzirwa: the blockchain. Vanhu vakakosha pakushandisa mabitcoin: vanochera mabitcoin vanotambiriswa mari yebepa pabasa ravanoita.

Bitcoin yakafanana nekutaura kwakasununguka: Kutenga kana kutengeswa kwese itsamba diki inoonekwa chero nguva kana nzvimbo. Vanochera vakazvinzwa, vanoiwedzera kublockchain tsamba iyi yogara iripo nekusinga peri. Munhu wese anozviona uye hapana anokwanisa kuzvibvisa.

Bitcoin haina kufanana nekutaura kwakasununguka: Ngatiti pane chinoda kubhadharwa. Transaction inokupa macoins aunofanira kuvanawo pekutanga. Zvinoreva kuti haasi munhu wese anobvumidzwa kudeedzera, kunze kwe uyo anotenderwa kuva nemacoins . Vanochera mabitcoin vanogona kuramba matransaction kana ari spammy kana isina mafees (mitengo wekuita matransactions) akakwana. Hapana anopa mumwe rusununguko kunge doro, asi munhu wese anoedza kuita mushandirapamwe kana achida.

Bitcoin yakafanana newirirano yemunharaunda(social contract): Ndizvo zvaveko mazuva ano. Inoshanda semari kana vanhu vakaramba vachiibata semari, uye vakava nechivindi chekuichengeta nekuremekedza mirairo yayo. Technology ndiyo inoshandiswa kutsigira wirirano yacho.

Bitcoin haina kufanana newirirano yemunharaunda (social contract): Wirirano iyi yakasiyana neinodzidziswa kuzvikoro. Haina kureruka, uye haina kuiswa nevatongi. Mirairo yakasarudzwa kuteedzerwa nevanhu pachavo, uye iwirarano yakabvumwa nemunhu wese.

Bitcoin yakafanana nemari yemumhepo: Itori mari yemumhepo.

Vashanduri
Tebogo Makgakga

Vatsigiri
BitMEX