Mashandiro emabhanga emabitcoin kunharaunda dzakasiyana:
Zvidzidzo kubva kuBitcoin Beach
na Galoy Money 2021/11/10open in new window
Musoro wenyaya
Shanduko ine hudzamu inowanzo simudzirwa ne vaye vachine hudiki mavari zvekuti vanotadza kunzwisisa kuti zvavari kuita zvinopedzisira zvatadza kubudirira.Sezvo ndisingakwanise kushandisa hudiki sechikonzero,Bitcoin Beach payakatangwa,ndinotenda kuti ndainge ndisati ndanyanyo tora nguva yakanyanya paTwitter kuti โndiziveโ kuti Bitcoin hayaizobvira yashandiswa nevanhu kutenga kapu yekofi. Tingadai takaita wongororo netsvagurudzo kana kuita tsvagurudzo yezvidzidzo yakanyanya, tingadai takaziva kusangwara kwedu. Tinotenda kuti vazhinji venyu makukwanisa kuwana El Salvador pamepu nokuti tainge takapusa zvekutadza kuziva zvese izvozvo.
Mukuongorora kwe Bitcoin Beach,tinoona kuti chokwadi chinoratidza zvinoshamisa kukunda ngano. Hapana munhu akange ambofungidzira kuti kutanga kwekushandisa Bitcoin mukutengeserana nekutenga zvinhu kunga wanikwe kuchitanga mukamusha kadiki mu El Salvador. Zvichitungamirirwa nemurume wekunze kwenyika uyo amugari weko achiri kushandisa tsamba yemumhepo yeEarthlink, achitsigirwa nemutungamiri wedunhu irori wechidiki weku El Salvador uyo akagumira zvidzidzo zvake mugwaro rechitanhatu.
Tikaringa kwatakabva, mhedzisiro yacho yaive pachena: vanhu vane matambudziko ehurombo hwakanyanya nemukana mudiki hwekushandisa zvekuchengetedza hupfumi kana kupamidizira hupfumi hwavo munyika vagara ndivo vanoona kukosha kweBitcoin nguva ichiripo kukunda avo vane hupfumi hweku Singapore ne Silicon Valley. Zvinoita kunge ndezve denga โ sezvo avo vakavhura nzira vakatanga vachibva kwakashoreka uye vasina hunyanzvi zvekuti avo vanoteera havafanire kutyira kure.
Mu El Salvador, Bitcoin ndiyo mari yevarombo ne avo vasina mukana wekushandisa mabhanga nezvimwe zvinochengeterwa hupfumi hwevanhu munyika. Kuvanhu veku El Salvador vane hurombo hwakanyanya, nhauriro yegoridhe iri digital nemari iri digital zvinoita kunge zvisinganzwisisike, uye zvisingashandike nazvo mukurarama. Kune avo vanonyanyoda Bitcoin zvakanyanya, ndiyo nzira yavanotenga nayo chingwa nenzira yavanochengetedza hupfumi hwavo kuitira remanagwana ravo. Havaone chikonzero chekusarudza icho kana icho chimwe. Saka munguva ino muna 2021 tinoona nyika idiki isina hupfumi ichiratidza pasi rino rose kuti Bitcoin inoenzanisa nhandare yemashandisiro ehupfumi kuvarombo. Tinoziva Bitcoin Beach chingori chidimbu chezvingaitike. Asi tinovimba kuti ichave vhunze richabatidza moto muzhinji pasi rino rose. Tinokuchingamidzai kuti mushanyire El Zonte, motibatsira kuparidza chishuvo chedunhu redu re Bitcoin Banking icho chinova kubatsira kuti vanhu vese vawane mukana mukushandisa zvino wedzera hupfumi hwavo pasi rino rese.
โ Mike Peterson (@bitcoinbeachopen in new window)
Kubva kuzvinoshandiswa nenharaunda kusvika kuzvinobvumirwa nemutemo wenyika mumakore maviri chete
Chirongwa cheBitcoin Beach chakatanga nemubvunzo mudiki asi unobatsira vazhinji: Tinogona kuvaka hupfumi hwe Bitcoin huno zvichengetedza nekusingaperi here uye huchiti chengetedzawo?
Mhinduro yacho inoti hongu zvinogoneka. Zvakatanga sechirongwa chenharaunda chiri kumamisha yave nyaya yevanhu vanokwanisa kusvika mamiriyoni matanhatu vari kuratidza pasi rose kuti Bitcoin itori mari.
Mugwaro rino tinobata zvidzidzo zvitanhatu zvakawanikwa pakuvaka chikwama chinonzi Bitcoin Beach Wallet nezvivakwa zvinowanikwa zvichi itsigira. Chinangwa chedu ndechekuti tibatsire vanhu varipo pasi rose kuti vakwanise kudzidza nekukasika nekugamuchira Bitcoin ne Lightning Network.
Chii chinonzi Bitcoin Beach?
Pa Pacific Coast yemu El Salvador pane nzvimbo inonzi El Zonte, kadhorobha kadiki kune vanoita mitambo yekusurfer iine vanhu vanosvika zviuru zvitatu. Vagari veko vange vakasaririra panyaya yekushandisa mabhanga uye vane matambudziko ekurwisana kwemapato akasiyana nekusaririra muhupfumi hwenyika kwemakumi emakore. Mumakore makumi apfura, vanhu vashoma vange vachishanda kuitira kuti tariro neshanduko yakanaka idzoke ku El Zonte.
Jorge Valenzuela, Roman โChimberaโ Martinez na Mike Peterson vakatanga kutungamirira mayouth programs kuna 2009 kuti vape vana veku El Zonte mukana wekutamba, kudzidza nekuva nezvishuvo. Kubva kusurf โpara todoโ (mitambo yekusurfer yevanhu vese) kusvika kuzvidzidzo zvemacomputer nezvirongwa zvenharaunda zvinotambirisa vanhu, zvirongwa izvi zvapa vanhu zvikwanisiro munzvimbo yanga yapererwa netariro.

Mu 2019, Mike akatsvagwa nemunhu aida kuvabatsira kusimudzira zvirongwa zvavo kuburikidza nekuvapa bitcoin yekuvatsigira. Paive nezvaizofanirwa kuteedzerwa,asi: bitcoin iyi yaifanira kuzoshandiswa munharaunda yavo chete, kwete kuti izotengeswa kuti ive mari yenyika. Chinangwa chaive chiri chekuti vave nehupfumi hweBitcoin husingaperi hwekuti vagone kutengesa nekutenga zvinhu munharaunda nekushanda vachibhadharwa mumaSATS iwayo. Jorge na Mike vakagamuchira izvi, Bitcoin Beach ikavambwa.
Kubva pekutanga, zvaive zvakajeka kuti chirongwa ichi chaizochinja maonero akange aripo kare maererano neBitcoin:
Bitcoin hupfumi hunoshandiswa kupamidzira humwe hupfumi kuvapfumi. Ukateerera nhau dzemabhizimisi pachivhitivhiti kana pawairesi nemasaisai, unogaronzwa zvemitengo yayo, kushanduka kwemitengo, nekuenzanisa kwayo kumamwe maassets nemainvestments segoridhe nemastocks. Unonzwa zvemabhanga nezvekuti mabhanga aya arikubatsira vanhu vavo vane hupfumi hwakanyanya sei. Haumbonzwe kuti Bitcoin irikubatsira kusimudzira varombo munzvimbo ine hurombo hwakanyanya pasi rino.
Bitcoin inochengetedza huremu hwehupfumi, asi haisi nzira yekutenga nekutengesa. Chero Bitcoin ichigamuchirwa senzira yekuchengeta hupfumi kwakawanda,kushandiswa kweBitcoin mukutengesa nekutengesa chichiri chinhu chinopikiswa nanhasi.Mafungiro acho anoti; โKana mutengo webitcoin ukaramba uchipamidzirwa sezvauri kuita izvezvi, hakuna anozoda kuishandisa pakutenga zvinhu nezviitiko.โ
Chirongwa ichi pachakashanduka kubva mundangariro kuita chiitiko,vanhu veBitcoin Beach vaibatsira and nevaidzidzira nezvayo vakaongorora zvainetsa munharaunda yavo nezvaikwaniswa kugadziriswa nehuvepo hweBitcoin munharaunda yavo:
Mabhanga agara ariko haawanzo ita bhizinisi munzvimbo ine hurombo hwakanyanya. El Salvador yane nguva ichishandisa madhora ekuUnited States kubva muna 2001, zvichireva kuti mashandiro ehupfumi hwawo munyika unofanira kuenderana nezvinodiwa nemutemo wekuUS. Kuita zvinodiwa nemutemo wekuUS zvinoita kuti mabhanga aya atadze kushandiswa nevanhu venyika dzisina hupfumi hwakanyanya. Sekunge muridzi we Garten Hotelopen in new window akaedza kuitira vashandi vake mabhanga avanokwanisa kushandisa kuisa mari, ndopaakadzidza kutiopen in new window zvaida kubhadharwa madhora makumi mashanu ($50), pamushandi wega wega. Zvaizopfura 10% yemari inotambirwa nemushandi anoshanda achihora mari yakaderera munyika.
Kuwana mari dzinobva kunze kwenyika kuEl Zonte kunodhura uye kunotora nguva neziya rakawanda. Mari dzinobva kunze kwenyika dzichiuya kuEl Salvador dzakaita 23% yeGDP yenyikaopen in new window muna 2020. Zvinotora mitengo inopfura madhora matatu ($3) kuti munhu atumirwe madhora gumi ($10) kubva kune hama iri kunze kwenyika. Hakuna Western Union muEl Zonte saka zvinogona kutora maawa akawanda nekukwira mabhazi akawanda kut kuti vagari veko vasvike kuhofisi yavanopihwa mari yavatumirwa muruoko. Izvi zvinoitika pamusoro pemazuva anenge atorwa kuti mari isvike muEl Salvador kubva kune munhu anenge atumira mari yacho pekutanga.
Zvakaoma kuchengeta mari usina mukana wekushandisa mabhanga. Kuva โvanhu vasina mukana wekushandisa mabhangaโ hakushayise munhu mukana wekuti ave neaccount kubhanga chete. Asi zvinotadzisa kuti vanhu vave nemaassets nemainvestments anodzivirira kuderera kwemashandisiro emari yacho kana mitengo yakwira. Chiitiko chaisatarisirwa pakauya Bitcoin ndechehuwandu hwevanhu vakatanga kuchengetedza chidimbu chakadzama chemari yavaishandisa kumabasa kuri kutanga kuzviita muhupenyu hwavo hwese.

Huvepo hweBitcoin hwakabatsira timu kuti isimudzire chirongwa chavo timu yakatanga kushanda kuti zviendeke. Vakatanga kuunza nekudzidzisa nharaunda yavo vachishanda nemunhu mumwe panguva imwe kuti vave muBitcoin network. Vakadzidza, vakadzidzisa nekushandura zvinoshanda nezvisingashande mukufamba kwenguva. Kuuya kwakaita chirwere chakatekeshera pasi rose cheCovid-19 mukutanga kwe2020 kwakabatsira kukurumidza kugamuchirwa kweBitcoin. Vagari vekuEl Zonte vaida rubatsiro vakakwanisa kuwana mabitcoin avaipihwa nechirongwa cheBitcoin.
Gwaro rakanyorwa ย neForbes articleopen in new window muna2020 yakaunza chirongwa cheBitcoin Beach mumaziso eruzhinji pasi rose zvikabatsira kuti vawane rubatsiro kune vamwe vanoshandisa Bitcoin. Mumwe wemaBitcoiners anoitwa Nicolas Burtey, mumwe wevakatanga Galoy, akazvipira kuenda kuEl Zonte kunogadzira chikwama chainge chakarereka kuzvinodiwa nevanhu veBitcoin Beach. Pasati papera nguva, chikwama cheBitcoin Beach Wallet chakabva chatanga kuvapo, chinangwa cheBitcoin Beach chakatanga kusimukira zvakanyanya kuswedera pedyo nezvishuvo zvavo.
Parizvino vanhu vazhinji vanoziva magumo enyaya: Nayib Bukele mutungamiriri wenyika yeEl Salvador akataura musi waJune 5, 2021 kuti Bitcoin yaizova inobvumirwa kushandiswa zviri pamutemo wenyika. Bukele akati paTwitter Spaces hurumende yainge yakurudzirwa nechirongwa cheBitcoin Beach zvakanyanya zvekuti chinangwa chemutemo weBitcoin chaida kuteedzera zvainge zvakaitwa kuEl Zonte kuti zviitwe kunyika yese yeEl Salvador. Vakanyanyo taura kuti kupa mukana kuvarombo kuti vave vachishandisa zvinoshandisirwa kuchengeta hupfumi pavanhu venyika ndochaive chishuvo chavo. Musi waSeptember 7 2021, La Ley Bitcoin ( โMutemo weBitcoinโ) wakabva watanga kushandiswa. Bitcoin Beach yakabva yakosha zvakanyanya munyaya dzekugamuchirika kweBitcoin pasi rose. Yakweva maBitcoiners anobva kwakasiyana siyana vachishanya kuti vaone vanhu vanoshandisa maSATS avo kutenga kofi,kudzidzira kusurfer nekutenga nyama yemombe. Budirio yavo yakushandiswa nedzimwe nharaunda kutedzera zvavakaita munzvimbo yavo.
Bitcoin Beach yakagadzira nharaunda inobatsira kuti vana vekuEl Zonte vakwanise kuvane zvishuvo nekuvaka ramangwana ravo rakajeka.
Chikwama cheBitcoin Beach
Bitcoin Beach Wallet chikwama chinogona kushandiswa seaccount yebhanga zviri pachena kuvanhu vose vanoishandisa. Chikwama chakagadzirirwa kubatsira vanotengesa nevagari vekuEl Zonte. Chinoshandisa multisig shared custody model inopa zvisingawanikwe kustandard non-custodial and custodial solutions izvo zvinova zvinowanikwa kwese kwese mazuva ano.

MuBitcoin Beach Wallet, capital inounganidzwa nekumanejwa nenharaunda. Izvi zvinobatsira vanhu vese vemunharaunda yacho kuti vabudirire muhupenyu:
- Machannel eLightning anomanejwa nenhengo dzemo; hapana chinobhadharwa kuvhura kana kuvhara machannel aya
- Ma โintra ledgerโ transaction emahara uye anoitika ipapo anopihwa nhengo dzenharaunda
- Kushandisa kwakanaka kwemaonline server kunoreva kuti mitengo wakaderera pamunhu wese anoshandisa zvino siyana nekuti munhu wese anotengesa ave neserver yake
- Mitengo yekushandisa chikwama inoderedzwa nemaon-chain transaction
Zvimwewo zvinowedzera kubatsira kubudirira kwehupfumi hweBitcoin munharaunda:
- Kukwanisa kubhadhara neBitcoin address, Lightning invoice kana zita rinoshandiswa nemunhu pachikwama chake
- Humwe hwemabitcoin eon-chain ne Lightning, huchiratidza zvirimo mumadhora (USD) kana maSATS
- Transaction log inoratidza zvakabhadharwa kare pakati pevanhu vanoshandisa chikwama ichi
- Mepu yepafoni inoratidza mabhizinisi emunharaunda anobvuma kushandisa kubhadharwa neLightning
- Munhu anoshandisa web address anogona kuipa vamwe wake kuti agone kutumirwa bitcoin kubva kune chero munhu anoshandisa chikwama chinotsigirwa neLightning (see: ln.bitcoinbeach.com/bitcoinbeachopen in new window)
Kana uchida kuvaka front end mobile application inenge Bitcoin Beach Wallet unokwanisa ย kushandisa galoy-mobileopen in new window repository pa GitHub.
Tisinga pedze nguva, zvidzidzo zvikuru zvakadzidzwa naGaloy pakuvaka kuEl Zonte.
Chidzidzo chechiposhi:Dzidzo yakakosha pazvinhu zvose
Bitcoin chinhu chinonetsa kunzwisisa. Chino sanganisa computer science, marongero ehupfumi hwenyika nevanhu nemashandisiro awo(economics), dzidziso yezvinhu zvakare(history), cryptography, zvirongwa zvematongerwo emari yenyika (monetary policy) nezvimwewo. Irombo rakanaka, kuti munhu haafanire kunzwisisa Bitcoin zvakadzika kuti aishandise achiwana zvino mubatsira pakuishandisa. Vanhu vangani vanoshandisa mari yenyika(fiat) hupenyu hwavo hwese?

Yambiro shanu yeku cherechedza kana uchidzidzisa nharaunda
- Vanoronga munharaunda vakakosha pakudzidzisa vanhu kuti mabitcoin anoshandiswa sei uye chii. Kuvane timu inodzidzisa vanhu panzvimbo vachionana mumaziso nevanhu vacho kunobatsira kuti vanhu vatange padonzvo chairo. Izvi zvinhu zvakakosha munharaunda dzine mukana wekuti mabitcoin ashandiswe munzvimbo iyoyo kwekutanga.
- Zvirinani kuratidza vanhu mashandisiro emabitcoin pane kuvaudza nezvazvo. Kubatsira vanhu kudownloader nekuvaratida nzira yekushandisa chikwama, nekutumira nekutumirwa maSATS kunobatsira zvikuru pane kuvaudza nezvezvidzidzo zhizhinji zvisinga vabatsire kunzwisisa kuti mabitcoin anoshanda sei.
- Dzidzisai vana.Ndivo vanozodzidzisa vabereki vavo. Vana veku El Zonte vakakasika kudzidzira kushandisa mabitcoin. Ivo vana ndivo vakazobatsira vabereki vavo kuti vakwanise kushandisa mabitcoin pachikwama vave kudzimba dzavo.
- MaATM emabitcoin anobatsira kubatanidza zviri mupfungwa pamusoro pemabitcoin nemari yemunyika(fiat). ATM yemabitcoin yakabatsira kuva asset inobatsira mukudzidzisa vanhu kushandisa mabitcoin. Vanhu kana vakukwanisa kuchinja mabitcoin muchikwama chepafoni mumari yenyika iyoyo,zvinobatsira kuvaka hukama uyu mupfungwa kuti mabitcoin aonekwe semari yavajaira.
- Batsirai vanhu kuti vagone kutarisira kukwira nekudzika kwemutengo kwakanyanya nekurongera nguva yepazvinoitika. Dzidzisai vanhu kuti vazogona kutambira kuderera kwemitengo yemabitcoin painoitika. Cherechedza chirongwa chinobhadhara vanotengesa zvinhu apo panoderera mitengo yemabitcoin zvichikonzerwa nekukwira nekudzika kwe mitengo yayo pachinguva chekuti vachiri kudzidzira nezvemabitcoin.
Pakuvaka kwamunoita nharaunda ,torai nguva yekuziva nekudzidza kubva kuvanhu veku Bitcoin Beachopen in new window. Ndidzo nyanzvi dzatinofanira kuteera mumaitiro avo. Kuzvipira kwavo kuchirongwa ichi kwakavepo pasati pane Bitcoin, uye zvinhu zvinopfurikidza zveBitcoin chete. Bitcoin ndoyave nzira yavano kwanisa kuunza mukana wetariro nezvikwanisiro kunyika yavo yeEl Salvador.
Chidzidzo chechipiri: Lightning chinhu chinobatsira kuita kuti Bitcoin ishandiswe semari
Lightning Network haionekwi pachinhanho chainofanira kuonekwa sezvo vanhu vachiitarirsira pasi. Makore maviri apfura yaive #nzira isina kurongeka yekutengeserana nekutenga zvinhu. Iye zvino yakushandiswa nemashopu akaita seMcDonalds, Starbucks nePizza Hut muEl Salvador. Kukura kwe manode, machannel nekushandika nayo kwayo kwakuitika nekukasika kwakanyanya. Chinyorwa cheArcane Research โThe State of the Lightning Networkopen in new windowโ kunopa chidimbu chekukura kwechirongwa ichi pamametrics netarisiro.
Bitcoin Beach yakatanga nekushandisa maon-chain transaction kupa mabitcoin kuvanhu munharaunda iyi. Apo on-chain yaishandiswa kuita masettings ezvidzidzo nekutumira maSATS kunhengo dzenharaunda, zvinonetsa zvayo zvakabva zvaita kuti zvinonotse kusvitsa chirongwa panhanho rwekushandisa mabitcoin aya munharaunda zvakareruka uye zvinoramba zvichienderera nekusingaperi.
Vanhu vekuEl Salvador vakaona kuti kushandisa Bitcoin semari yenharaunda kunogona kusazoenderera mberi zvakanyanya kana pasina manetwork elayer two seLightning:
- On-chain fees dzaidhura kuti dzishandiswe pazvinhu zvinoshandiswa zuva nezuva. Vagari vekuEl Zonte vanofanira kugona kushandisa mari dzidiki dzinenge zvikamu zvemadhora, kunge macent makumi mashanu (50 cents) pakutenga mapupusa.
- Kushandisa on-chain bitcoin kubhadhara nekutengesa zvinhu kunogadzira โdust.โ Bitcoin Beach yakasangana nazvowo โdust transactions problemopen in new windowโ Bitcoin dzisina kushandiswa (UTXOs) dzinoratidza mafambiro aita huremu hwebitcoin iyoyo patimechain. Huremu hwe UTXO unobva waderera kupfura mutengo wekuishandisa, bitcoin iyi inobva yaonekwa sekunge issashande pakare โdust.โ
- Muretail setting, chinhu chiri pasi pekubhadhara nekubhadharwa panguva iyoyo chinogadzira kunetseka kuanotengesa neanotenga zvinhu. Bitcoin yakavakiwra kuchengetedza kwakanaka nekusakanyika palayer one. Haisi yekungoti pave nekukasika kwetransaction pese pese.

Layer two Lightning Network itechnology inogona kubvisa nzira yekutengesa zvinhu yagara iripo ichiunza chivimbiso cheBitcoin semari kunyika. Vamwe veva vakatanga izvi vakanyora nezvazvo muchinyorwa chemuna2020โ Lightning as a Retail Payment System?open in new windowโ
Lightning Network yakaita kuti hurongwa hwe Bitcoin Beach ukasike kuendeka. Ingadai yaisavapo, kushandisa Bitcoin semari muEl Salvador kwaizonetsa uye kwaizodhura; zvaikwanisa kuzotadza kubudirira kana kuti chirongwa chaizononoka kubudirira.
Lightning Network yave kugona kushandiswa nechero chikwama kana zviitiko zvemari zvinovakwa neBitcoin. Zvinhu zvinopa mukana mukuru wekuti matransaction akaderera pamitengo avepo zvekuti anoita sekunge mahara pasi rose uye asingadi bvumo kubva kune chero munhu achigona kuitwa munguva pfupisa sekuti ipapo ipapo.
Chidzidzo chechitatu: Kudzidzisa vanotengesa zvinhu zvemabitcoin kwakakosha kuitira kuti hupfumi hwemabitcoin utenderere munharaunda zvakanaka
Kuvamba hupfumi hwemabitcoin munharaunda kunounza dambudziko rinenge rwe โhuku ne zaiโ . Vagari vanoda pekuishandisira, uye vanotengesa vanodawo kuvane vanotenga kubva kwavari vachishandisa mabitcoin. Kuti kushandisa mabitcoin munharaunda kuve kunodiwa kuitwa nevanhu vachizvigamuchira idanho rakakosha kuitira kuti nharaunda igogona kuishandisa zvakanaka.
Chinangwa chedu chikuru ndechekuti mabitcoin atumirwe nekukasika uye nemutengo wakachipa kukunda dzimwe nzira dzekubhadhara nadzo kana kutumira dzimwe mari.

Izvi zviitiko izvi ndizvo zvimwe zvezvakabatsira kuumba nzira yekuvaka mashandisiro emabitcoin kune vanotengesa:
- Musape vanotengesa zvinhu mutoro hwekuchinja mabitcoin kumari yavanoshandisa munyika mundangariro dzavo. Deredzai zvekufunga zvinodiwa nekuisa mitengo mumadhora(kana mari inoshandiswa munyika) nekuva nehuwandu hwacho mumari nemabitcoin, mumainvoices namatransaction ekare aripo.
- Ngapave nenzira dzakawanda dzekuti vanotengesa zvinhu vazobhadharwa. Vanotengesa zvinhu havafanire kugadzira mainvoice patransaction yega yega. Mukushandisa chikwama cheBitcoin Beach Wallet,vatengi vanogona kubhadhara vachishandisa zita rinoshandiswa pachikwama chavo, printed QR code, kusarudza mepu pavanotengesa, kana kushandisa mapeji emainvoice ayo avanogona kuzopanana pa ln.bitcoinbeach.com[username].
- Itai kuti mashandisiro acho ashandise nguva ishoma, nguva nekuclika kushoma. Shanduko yevanotengesa zvinhu kuEl Zonte yakauya Galoy payakapa mukana kuvanotenga kuti vagadzire mainvoice avo. Vanotengesa havacharega zvavarikuita kuti vagadzire mainvoice.Vanogona havo kutarisa chiziviso pafoni kuti vagone kuzocherechedza kubhadharwa kunenge kwauya. Bitcoin yanani kugamuchira kukunda mari kana chikwereti.
- Gadzirai zvinosimudzira vanotengesa nekubatsira kuva kururudzira kuti vagamuchire kushandisa mabitcoin nguva iripo. Mu El Zonte, paive nechirongwa che โmari inodzorerwaโ kwemavhiki mashoma, uko vanotengesa vakatambira 20% yemabitcoin avaive vashandisa. Chirongwa chekukurudzira kwakadai kunobatsira kushandiswa kwemabitcoin nekubatsira kukudza kushandiswa kwemabitcoin kwakanaka. Musakanganwe kukosha kwevanotengesa zvinhu mukukurudzira kushanda kwemabitcoin munharaunda iyoyo. Zvinodiwa nevanotengesa zvinhu munharaunda imwe neimwe zvinosiyana, saka ivai munotora nguva yakati rebei kuti munzwisise nekugadzira zvinoringana pakutanga kwazvo.
Chidzidzo chechina: Mashandisiro emabitcoin anofanira kugadzirirwa muzvinodiwa munharaunda inenge ichigadzirirwa
Bitcoin Beach ndiyo inonyanyo shandisa Lightning Network nekuigamuchira. Sezvakarehwa naMike โVanhu vadiki veku El Zonte vanogadzira maLightning transaction kupfura maBitcoiners akatanga nazvo kare.โ
Mukukura kwakaita Bitcoin economy, timu yakagona kutarisa zvinhu zvaisashanda nezvaidiwa nezvaikwanisa kuzobatsira kuti hupenyu hurerukire vagari neavo vanotengesa ikoko. Kuva panzvimbo muEl Zonte kwakapa ruzivo rwakanyanya kuna Nicolas sezvo aivaka chikwma cheBitcoin Beach Wallet ikoko.

Note: Rangarira kuti zvakakosha kuedza kushandisa maapps nemashandisiro munharaunda yevanhu vazviri kugadzirirwa. Ita tsvakurudzo yako wega.
Zvidzidzo zvitanhatu kubva mukuedza kushandisa chikwama cheBitcoin Beach kunzvimbo isina masaisai akakwana:
- Usatore kuvapo kwemasaisai akafanira panzvimbo sezvinhu zvisina basa. Kuvakira nzvimbo dzine dambudziko reconnectivity kunoda kuti unge uchizvigamuchira kuti zvinhu zvinoitika mukushandisa network yakadaro chero zvazvo chiri chinhu chisingaitike kuUnited States.
- Kukurudzira kushandisa kweapp kunopa mukana wekudzidzisa vanhu. Chikwama cheBitcoin Beach chine quiz yakavakwa mairi kare inopa vanoshandisa dzidziso yekutanga panyaya yemabitcoin. Mubvunzo wega wega unopa munhu anenge apindura maSATS achimubvisa pazero paanotanga.
- โSats ndiyo inoshandiswa kuyera mabitcoin,โ asi madhora (USD)ndiwo anoshandiswa kuenzanisa nezvimwe zvinoshandisirwa kuverenga hupfumi. Vanhu vanofunga mumari yemunyika yavo yava jaira, kwete mumaSATS, apo vanhu vanenge vachirikudzidza nezve mabitcoin. Kushandura pfungwa kuti izofunga mumaSATS kunouya nenguva, mari inoshandiswa munyika ndiyo inofanira kushandiswa muaccount panoiswa nharaunda itsva panetwork.
- Pamidzirai zvinhu zvinobatsira kuwirirana nekuzivana kwe vanotenga zvinhu nevanhu vanotengesa zvinhu. Tab ine mepu muchikwama cheBitcoin Beach inobatsira vanoshandisa zvikwama izvi kuti vawane nzvimbo dzavano kwanisa kushandisa mabitcoin. Zvinobatsira kuti matransactions aitwe nekukasika uye zvakareruka sezvo customer inokwanisa kugadzira invoice yayo nekubhadhara mainvoice ayo.
- Zvinyorwa zvekubhadhara zvinobatsira pakuchengetdza zvakaitika pamatransactions. Macustomers nevanotengesa vanogona kubatsirika nekukwanisa kuisa manotes pamatrasaction avo. Zvinhu izvi zvakaitwa nenharaunda zvabatsira kuti zvinyorwa zvekubhadhara zvibve pagwaro remunhu ashandisa kusvika pakuti vanhu vese vazvione. Iye zvino atumira neatumirwa akukwanisa kuona chinyorwa chakanangana netransaction yega yega.
- Gara uchiziva kushanduka kuri kuita kubhadhara nelightning. Mabhadhariro matsva anenge Lightning Address, static invoices neBOLT 12 ari kuuya nekukasika. Kusarudza maformats ekushandisa kunoenderana nemashandisiro arikuda kuitwa. Chikwama cheBitcoin Beach chakatanga ne QR code yakaprintwa iyo yakazoisvitsa kuinvoice page (kunge ln.bitcoinbeach.com/mamarosa). Maformat matsva akutariswa kuitira kuti zvinonetsa zvive zvinoderera uye kushandisa kwacho kureruke.
Chidzidzo chechishanu: Kuchengeta mabitcoin kwenharaunda(Community Custody) izambuko rinosvitsa vanhu mukuzvichengetera(Self-custody)
Self custody ndonzira yekupedzisira inotarisirwa kuti munhu wese ane hupfumi hwe mabitcoin azoshandise. Murairo mumwe weBitcoin custody ndewe kuti โKana asiri makey ako, haasi makoini ako.โ
Self custody haisiriyo yega nzira, kana kuti nzira yakafanira mukudzidzisa vanhu kuti vanzwisise nekushandisa mabitcoin.
โMunofanira kuzvitora nhanho nenhanho semwana mucheche anofamba achiti โdhe nhanha dheโ. Mukagara maisa mhingamupinyi pekutanga, vanhu havazogoni kupinda mazviri.โ โ Mike Peterson pa Tales from the Crypt #173open in new window
Spectrum yeBitcoin custody
Mamodel ebitcoin custody anochengetedzwa paspectrum yakasiyana neconvenience/privacy spectrum. Padivi rimwe, une kushandisa kwakareruka kunonzi UX, mukana wekuwana mabitcoin nekushandisa kwawo pamabhanga emari inoshandiswa munyika(fiat). Pane rimwe divi, kune mamodels ehand-stamped metal, sharded seed phrases nemulti-signature custody anoshandisa nhanho dzakawanda kana vanhu vakawanda kuti mari dzinge dzichifambiswa.
Macase akasiyana siyana ane marisk scenarios akasiyana siyana anoita kuti zvinobatsira kumwe zvive zvinogamuchirwa. Sekunge, kuchengetedza hupfumi mu account yebhanga zvinhu zvinowonekwa sezvinochengetedza hupfumi pane kufamba nemari iri muchikwama, asi kutakura mari shoma kuti itenge zvinodiwa zuva nezuva kunorerutsira vanhu.

Model imwe neimwe ine hudzamu, ndokunge 1) ichishandisirwa chinangwa chinoerana nezvinodiwa kuitwa ne 2) inoswededza vanhu pedyo nezvirikushuvirwa apo pavanenge vakupamidzira hupfumi hwavo mumabitcoin.
Community custody: tichitarisa kubva mazuva emaunion banks
Custody model yatakasarudza patakatanga Bitcoin Beach ndiyo yakanzi naGaloy โ custody yenharaunda.โ Inoshandisa nzira yekusainwa kwakawanda(multisignature) apo makeys ema funds mucold storage anochengetedzwa nenhengo dzakavimbika munharaunda. Model inoderedza kushandisa makambani anowanikwa kunze kwenharaunda iyi uye inoderedza kunetsa nekudhura kwekuunza nhengo dzinoda kushandisa network.
Chiziviso pamusoro pemabhanga enharaunda
Mabhanga enharaunda agara ariko pasi rose kubvira mazana emakore. Chinangwa chawo ndechekuti asimudzire zvinodiwa nemasangano evanhu vane zvinangwa zvakafanana. Kazhinji zvinangwa zvakafanana zvinenge zvichiwanikwa munzvimbo imwe chete. Mari dzinenge dzichishandiswa nemabhanga dzinotorwa kuvanhu venharaunda uye dzinokwereteswa vanhu vari munharaunda kuchishandiswa hukama nehushamwari kwete maitiro azvinoitwa kumabhanga emabhizinisi pasina hukama huripo.
Mabhanga enharaunda akanyanyokosha kuvanhu vanenge veku El Zonte nokuti zvinobatsira kuti sarudzo dzinoitwa dzinge dzichida kuti vanhu vemo vange vanobatsirika nguva dzose. Bhanga remabitcoins raGaloy open source Bitcoin banking solutionopen in new window rakavakirwa kuti nharaunda kana sangano pasi rino rigone kuzvibatsira nenzira yaikazviitira.
Kana muchida kudzidza zvimwe zveBitcoin nemabhanga emabitcoins, verenga The Fulgur Ventures article โThe role of Bitcoin for community banking.open in new windowโ
Chikwama cheBitcoin Beach sebhanga renharaunda yeBitcoin
Mabitcoin ari muchikwama cheBitcoin Beach anochengetedzwa munharaunda iyoyi, zvichipa nzira yakareruka uye yakachipa yekubhadhara zvinhu nekusimudzira hupfumi hwemo.
Zvinotevera zvinoratidza kuti sei custody yecommunity ichishanda kuBitcoin Beach:
- Kubvisa zvinonetsa kuti matransaction aitwe pasina mitengo yakanyanya inhanho rakakosha kuitira kuti network inodiwa kuita kuti hupfumi hwe mabitcoins hunge uchishanda zvakanaka mukutenga ,kutengesa nekuchengeta hupfumi uyu munharaunda. Vanhu vagara vasingafarire shanduko uye vanokurumidza varamba mafungiro matsva kana kuti vanokurumidza kudzokera mumaitiro akare. Sezvakataurwa naMike Peterson muna June 2020 paaitaura naMarty Bent: โUnofanira kufamba semwana mucheche sekuti โdhe nhanha dheโ. Wakagara waisa zvimhingamupinyi zvakanyanya pekutanga, vanhu havazombopinda mazviri.โ
- Zvinogona kunetsa kuchengetedza maseed phrases zvakasimba kunzvimbo dzisina technology yakanyanya uye nharaunda dzichangosimukira. Kuvanhu vanogara mudzimba dzine ivhu pasi nemarata esimbi, hakuna nzvimbo dzinogona kuchengeterwa zvinyorwa zvema seed phrases. Kushandisa maseed phrases kunounza matambudziko kuvanhu vasingagoni kuverenga kana kunyora, izvo zvinowanikwa kunzvimbo zhinji pasi rose.
- Vanhu vanoshandisa Bitcoin vanozozvijairira nenguva. Vagari veku El Zonte vakutumira bitcoin paLightning Network zuva nezuva. Vamwe vakatotanga kustacker maSATS uye vakwanisa kuwedzera hupfumi kupfura zvavaikwanisa kuita nemadhora(US Dollars). Izvi zvinosimudzira uye Bitcoin Beach iri kuzvikurudzira kuburikidza nedzidzo nekudzidzisa vanhu kuzvichengetera mabitcoin avo. Mashandisiro emabitcoin acharamba achirerutswa nekufamba kwenguva uye mukana wekuzvishandisira mabitcoin hurikuwanda kuvanhu vose pasi rose.
Kuzviitira nekuzvichengetera mabitcoin kunoitwa nenharaunda idzi kwabatsira kuti dzimwe nharaunda dzigotangawo kushandisa mabitcoin. Tinotendera kuti vachabatsira mukuunza vanhu vanoshandisa mabitcoin vanosvika bhiriyoni.
Chidzidzo chechitanhatu: Tangai zvishoma mozosimudzira musati maenda kuvanhu vakawanda
Zvinofadza kuona nharaunda dzakashoreka dzakawanda dzinoshandisa mabitcoin dzichishanda kuti madhorobha nemaguta avo ange achishandisa Bitcoin network. Bitcoin Lakeopen in new window iriku Guatemala ne Bitcoin Beach Brasilopen in new window vamwewo venharaunda dzakaita izvozvo pakutanga kwazvo. Vamwe maBitcoiners vakatanga kudeedza Tonga vachiti โBitcoin Islandโ kushure vanzwa matanho manaย a Lord Fusituโaโsopen in new window ekuunza Bitcoin kunyika yake.

Kune avo vachangotanga tinoda kuvapa mazano maviri pakuita kuti chishuvo chizova hupfumi munharaunda yavo:
- Kutanga nenharaunda yakasarudzwa zvine hungwaru zvinobatsira kutangira pari nani. Bitcoin Beach yakabatsirwa zvakanyanya nekushanda nevanhu vanosvika zviuru zvitatu vainge vasiri kune matunhu mamwe. Kungova nenzvimbo imwe uku kwakabatsira kuti tishande tichigadzirisa zvimwe kubva kuzvidzidzo kana zvinonetsa panguva iyoyo zvikatibatsira kuti tigogona kushanda nevanhu vakawandisa zvikuru panguva yakazotevera.
- Kukura kwechirongwa ichi kunoitika โnhanho nenhanho, kozongoerekana kwaitika zvakanyanya muchinguva chidiki.โ Kana tichikurudzira vanhu kuti vashandise mabitcoins, zvinoda kutarisira kuti vanhu vanosvika makumi mashanu vanotora nguva nesimba rakafanana ne vanhu vanosvika chiuru vanozotevera. Nokuti Bitcoin inetwork, mirairo yenetwork nezvinoenderena nayo inenge ichitoshanda panguva iyoyi. Irombo rakanaka, kuti vanovaka nekubatsiridza Bitcoin, vanodzidzisa nemakambani ari pasi rose vari kugadzira zvinobatsira kushandisa bitcon nekubatsira nharaunda dzinoshandisa mabitcoin kuti vagone kutanga kushandisa mabitcoin.
Vanhu vakawanda vakatanga kunzwa nezve Bitcoin Beach muna 2021, asi chirongwa chane makore akati o chatanga. Timu yeBitcoin Beach yakazvipira zviuru zvemaawa vachidzidzisa zvinobatsira vanhu vachangotanga kushandisa mabitcoin, vachipindura mibvunzo nekubatsirana kuwana kugadzirisa zvinonetsa uye ndivo vakabatsira kuti chirongwa chibudirire. Pasina vanhu ivavo, Bitcoin Beach ingadai isina kubudirira zvekusvika pakuzova nemukurumbira wainayo nhasi.
Zvinhu zvinoda kutariswa pakuvaka bhanga reBitcoin
Vakai pekutangira pakasimba netimu yakafanira, netechnology nekudzidziswa kwakafanira.

- Kuunganidza timu yenyu. Tsvaga vanhu vane chido, kushinga nechishuvo chekutungamirira nharaunda yenyu mukana weshanduko unogona kuunzwa nekushandisa Bitcoin. Pane mativi maviri anoda kutanga atariswa pakutanga kwazvo:
- Kushanda nevanhu vemunharaunda: Kunzwisisa mashandiro achaita vanhu venharaunda nekucherechedza kuti zvinenge zvakaita sei, chingotedzerai nekudzidza kubva kuna Jorgeopen in new window, Chimberaopen in new window, na Mikeopen in new window.
- Technology: Pane zvakawanda zvinoda kutariswa pakusarudza technology ingashandiswa kuvaka bhanga reBitcoin. Zvakanaka kuvane mukana wekushanda nemunhu anogona kubatsira kusarudza zvinhu zvinodiwa mukuchengetedza Bitcoin, Lightning node nekukurumidza kuwana bitcoin yacho painodiwa nani zvake, nemashandisiro ezvikwama zvinoshandisa masaisai nezvikwama zvinogona kushandiswa pasina masaisai zvinenge mausb nezvimwewo zvinobatsira kugadzira zvinobatsira kubudirira kwechirongwa ichi.
- Tsvagai nzira yekuwana vangabhadhara kuti chirongwa chibudirire. Kuwana mukana wevanhu kana mabhizinisi anozvipira kubhadhara zvinodiwa idanho rakakosha mukuvamba nharaunda itsva yeBitcoin, kunyanya kunyika dzine hurombo kune vanhu vasina mari dzakachengetedzwa kana mari yakawanda yekushandisa. Kuva nemari kana zvikwanisiro zvinobatsira kubhadhara zvinhu nehunyanzvi hwevanhu zvinobatsira kuti basa ritange kuitwa, uye kupa vanhu vemunharaunda maSATS pekutanga kunobatsira kushandisa mabitcoin munharaunda iyi pazvose zvingade kuitwa nevanhu munharaunda iyi nekusingaperi.
- Tsvagai zvinobatsira chirongwa muchishandisa technology. Zvombo zvingadiwe kupa vanhu kuti vashandise sematengero nekutengeserana kana kuchengetedza hupfumi zvichishandisa Bitcoin zvichiri kugadzirwa nanhasi. Mabhanga ebitcoin aGaloy open source Bitcoin banking infrastructureopen in new window imwewo nzira ine chinangwa chekuti zvive zvakarerukira nharaunda nemasangano akasiyana siyana kuti vakwanise kupa mitengo, zviitiko nekubhadharisana kunoshandisa Bitcoin ne Lightning.
- Gadzirai custody model neplan yemulti-signature (multisig) yenyu.Multi-signature- idanho rinotorwa apo panoitwa transaction nemabitcoin inoda kuti pave nekusainwa nevanhu vanopfura mumwe. Sekuti kusainwa katatu kuti transaction ibudirire.
Custody chinhu chakakosha kuongorora zvakanyanya nekunzwisisa kwevanhu vazvirikuitirwa. Kunharaunda dzemaBitcoiners vaneruzivo rwakanyanya, kukurudzira kuzvichengetera mabitcoin kunofanira kuti kuitwe.Pamunodzidzisa vanhu zvemabitcoin nemashandisiro awo kuvanhu vasina mari mumabhanga, munogona kusarudza kuti custody model yenharaunda kunge yakaitwa neBitcoin Beach inokodzera pakutanga kwazvo. Chero zvikadi,munofanira kuisa mari dzinongochengetwa mumultisig setup.
- Rongai danho rinobatsira kudzidzisa vemunharaunda nekuvabatsira pavanoda rubatsiro. Nharaunda dzevanoshandisa mabitcoin dzinobatsira vanhu nemagwaro anodzidzisa zvemabitcoin nezvimwewo zvikwanisiro, saka munofanira kuongorora kuti muzviwane. โBitcoin Twitterโ inzvimbo yakanaka kutanga kutarisa kuti muwane mavideos, maarticles nemaassets amungade kuti nharaunda yenyu itange kuita zvemabitcoin. Munofanira kurangarira kuti kushandisa kweTwitter kunogona kuri kushoma zvakanyanya kuvanhu vamuri kuvakira chirongwa chemabitcoin.
- Endai kumastreets! Kudzidzisa nekukurudzira kushandisa mabitcoin kuvanhu kunoitika mukataura nemunhu mumwe chete panguva imwe chete, nekuenda kunharaunda nekupa vanhu mukana hwekugamuchira nekutumira maSATS avo ekutanga.

Magumo
Zvinodadisa kuona nharaunda nemainstitutions pasi rose achishanda pamwe chete kuita kuti Bitcoin ive inosvika kune vanhu billion. Tine tarisiro yekuti guide iyi ichabatsira kudzidza nekukurudzira mutauro unovaka panyaya dzeBitcoin.
Galoy irikuronga Adopting Bitcoin: A Lightning Summit in El Salvadoropen in new window musi wa 16-18 Mbudzi senzira yekusimudzira kushandiswa kweBitcoin nekupemberera budiriro yetimu yeBitcoin Beach. Tinozvikudza kuti tiri pakati pevahu vanenge ana Jorge, Chimbera, Mike nevamwe vose vakaunza kubudirira kwechishuvo chehupfumi hwe Bitcoin.
Kana uchida kuona nekushandisa code yedu zvemahara, unokwanisa kuendaย pa GitHubopen in new window.
Unogona kunditsvaga patwitterย pa @galoymoneyopen in new window and our public Slackopen in new window.