Bitcoin Yakafanana neMitambo

na @thebitcoinrabbi 2021/01/13open in new window

Ndanenguva yakareba ndichitsanangura mashandiro e#bitcoin nekuti iri decentralized (haitongwe nebato kana munhu mumwe) ndichishandisa mitambo kubatsira tsanangudzo iyi. Zvinobatsira kupindura mibvunzo inowanzo bvunzwa:

Q: Ndiani akagadzira mutambo webaseball?
A: Hazvina basa. Munhu anoda kutamba anongotamba. Hazvina basa kuti munhu akagadzira mutambo webaseball anozoda kuchinja mitemo yekutamba kana kuti achazozvipa mapoints kana zvimwe zvinhu. Hatina basa nekuti anofungei nemutambo wedu isusu.

Q: Ndiani anotonga mutambo weBitcoin?
A: Hakuna anotonga mutambo weBitcoin, takangoti tichautambawo. Tese tinoziva mitemo weBitcoin, tese tinoona kuti vanhu varikuteedzera mitemo, uye kana munhu achida kubirira, tinomubvisa mumutambo wedu. Kana munhu akazvipa mapoints aasina kuwana tinenge tisisina basa naye.

Q: Toziva sei kuti mitemo hauchinje?
A: Tese takabvuma mitemo yakaiswa patakatanga kutamba, uye kana pane vanoda kuramba vachitamba vanoteedzera mitemo iyoyo, asi kana pane anoda kuchinja, vanofanira kuenda kunotamba kumwe.

Q: Hakuna anokwanisa kuba mutambo uyu?
A: Zvese zviri pachena. Tese tinokwanisa kuona nhandare nemagoho. Kana paine arikubirira, tinozviona tomuudza kuti abude mumutambo uyu.

Q: Sei zviine chiremera?
A: Tese takada kutamba, saka zvine basa kwatiri. Kana paine arikuda kutamba, anofanira kubvumirana nemapoints nehuwandu huripo.

Chine basa kwandiri, saka chanebasa. Huremu unosiyana pavanhu.

Q: Hazvizobviswa here nevakuru kana vane masimba?
A: Pamwe, asi mutambo unotambwa nechimuti nebhora, asi hapana arikurova mumwe, saka hurumende inokwanisa kuti musatambe, asi haigone kubvisa mutambo webaseball saka unoramba uchitambwa kune dzimwe nyika.

Q: Ndotambawo?
A: Ita zvaunoda. Ini ndiri kunakidzwa nemutambo webaseball uyu, unokwanisa kuutamba kana kusatamba.

Vashanduri
Tebogo Makgakga

Vatsigiri
BitMEX