Bitcoin neNhoroondo yeHurumende yeKenya
na Michael Kimani Kioneki 2022/01/05open in new window
Ichi ndicho chiziviso cheCentral Bank yeNigeria ๐ณ๐ฌ chinorambidza masangano ezvemari kuti abatsire kubhadharisana kunobva mukuchinja cryptocurrency.
Yakanyorwa muswa5 Kukadzi mugore ra2021

Ichi chiziviso chakafanana nechiziviso chakatumirwa ne Central Bank of Kenya ๐ฐ๐ชprohibiting Kenyan banks from processing payments for Virtual currency businessesopen in new window

Semunhu anobva kuKenya iyo inova kuEast Africa, handisikukwanisa kuzvidzora mukuseka shamwari dzangu dzinoshandisawo crypto dzekuNigeria. Zvino, vakunzwawo kurwadziwa kwedu, kwemakore manomwe apfura! Pane zvakawanda zvinoda kutsanangurwa panyaya iyi, saka aya ndiwo mafungiro angu muthread inotevera.
Chikunguru (July) 9, 2013
โKipochi wallet yekuKenya yaive kambani yekutanga yebitcoin muAfrica yaibvumira vanhu kutumira nekugamuchira mabitcoins, uye ichi machinja kumari yeM-Pesa.โ
Kipochi launches M-Pesa integrated bitcoin wallet in Africaopen in new window
Hapana kupera nguva refu, Central Bank yeKenya neSafaricom M-Pesa yakaedza kumisa zvese izvi zvaitika.
โMuvhiki rimwe chete, kubatana kwedu neM-Pesa kuburikidza neKopo Kopo kwakavharwa. Zvakatitorera nguva inopfura vhiki kuti tizive kuti Safaricom yainge yakamanikidza Kopo Kopo kuti ivhare.โ
Nyamavhuvhu (August) 2013
โMuna Nyamavhuvhu 2013, Kipochi yakatumirwa chiziviso chiri pamutemo chaibva kuCentral Bank yeKenya kuti vaida kuziva kuti isu taive vanaani, zvataiita uye kuti Bitcoin chimbori chii.โ
Chii chakanyatsoitika kuKipochi?open in new window
Iyi yaive nyaya yekutanga yekambani yeBitcoin kuKenya yaipikisana neCentral Bank yeKenya nemakambani anoita zvemari zviri pamutemo (Safaricomโs M-Pesa). Gore rakatevera ndakapinda muindustry uye ndinoyeuka ndichiedza kushanda nePelleโs Kipochi nemamwe makambani akaita seBitpesa."
Tese takashanda pamwe chete tichitsvaga nzira dzekuti mabhanga nevatongi varerutse kusatendera kwavaita kushandisa maakaundi emabhanga. Taida sangano risina divi raraimiririra pakati pedu kuti risimudzire donzvo redu.
"Ndakapihwa basa rekutanga non-profit foundation. Heino tsamba yepamhepo (email) yakanyorwa musi wa14 Chivabvu 2014.

Kambani yaive yakusangana nemtambudziko panguva iyi yaive Bitpesa. Bitpesa yakaunza chigadzirwa checrypto chaibvumira vanhu vekuKenya kutenga mabitcoins vachishandisa mpesa (nekufamba kwenguva vakazounza nzira yekuti vakwanise kutengesa bitcoin). Chigadzirwa ichi chaive chakabatanidzwawo nekutumira mari kunze kwenyika zvikurisei pakati pe Kenya neUK(Kenya - UK corridor).
Izvi hazvina kutora nguva refu zvakare.
Zvita (December) 18, 2015
CBK Circularopen in new window
โChinangwa chechiziviso ichi ndechekuzivisa masangano ese emari kuti asashandise mari dzemumhepo kana kuita matransactions nemakambani ari kushandisa mari dzemumhepo. Musavhura maaccounts kune vanhu vanoshandisa Bitcoin.โ
Mumazuva mashoma akatevera, mukuru (CEO) weSafricom Bob Collymore akataura achipikisa mari dzemumhepo achiti:
โHatisi kubvuma kuita matransactions ane chekuita nebitcoin pachirongwa cheM-Pesa kunze kwekunge mari yemumhepo yatenderwa nemutongi wemabhanga ose.โ
Collymore says Safaricom will not risk CBKโs wrath over bitcoin transactionsopen in new window
Zvose izvi zvaita sekunge zvaive zvakarongwa kare.
Kusakwanisa kuwana account rebhanga nebvumo yekushandisa M-Pesa gateway zvakakanganisa bhizimusi reBitpesa zvakanyanya. Bitpesa neLipisha (mubatsiri wepayment gateway) vakaendesa nyaya iyi kudare.
Petition NO. 512 of 215open in new window
Zvita (December) 28, 2015
Ndakanyora chinyorwa chemaonero angu mupepanhau rinozivikanwa zvikuru kuKenya rinova Daily Nation, ndichishora CBK mukufunga kwezvinhu zviri pedyo chete. Ndakati, โMakore mana kubva nhasi vanhu vachaseka CBK nekuda kwechiziviso chisina musoro ichiโ
1 Bitcoin panguva iyoyo yaive $450, nhasi yava $40,000.

Mbudzi (November) 26, 2015
Nyaya yemutemo yakamhanโarwa neBitpesa nemubatsiri wayo vachipokana neSafaricom (inova kambani yemari yembozva runhare ikuru muniyka) yakanzwikwa nedare repamusoro reKenya nemusi weChipiri.
Kenyan High Court Hears BitPesa Case Against Safaricomopen in new window
Bitpesa yakataura kuti Safaricom โyakatyisidziraโ mubatsiri wayo wegateway, Lipisha, ichimanikidza kumisa maservices ayo musi was 12 Mbudzi vasina kutizivisa zvisati zvaitwa, izvi zvakakonzera matambudziko makuru kuBitPesa neLipisha mukuita bhizimusi ravo.
Safaricom yakatsanangura kuti kumiswa keservice yeLipisha kwaive kwakakodzera nekuti Bitpesa yanga isina kuwana mvumo yekutumira nekutimrwa mabitcoins kubva kucentral bank reKenya. Nekuda kweizvozvo, matransactions aitwa neBitpesa kuburikidza neLipisha neaccount yayo kuSafaricom zvakatyora mitemo yeAML.
Asi gweta remakambani maviri aya akati Safaricom yakanga isina kunzwisisa zvinodiwa necentral bank. โ[Central bank] rakaudza BitPesa kuti mabitcoins haana bvumo yekushandiswa zviri pamutemo wenyika muKenya asi Safaricom inoshuvira kuti ive inopa mutero kuti ugoshaniswa nevanoita zvemabitcoins.โ
December 15, 2015
Bitpesa yakundikana panyaya iyi
Mutongi wedare repamusoro munyika (High Court) reKenya akapa mutongo wekuti M-Pesa operator Safaricom haifanirwe kupa mukana kune bitcoin startup BitPesa sezvo painge pane nyaya yekusanzwanana kwavo yaimirira kutongwa kare.
Kenyan Court Upholds Bid to Keep Bitcoin Startup Off M-Pesaopen in new window
Nekusakwanisa kushandisa kana kuwana maaccounts emabhanga uye nemaservices eM-Pesa gateway akakosha pakuita basa ravo, Bitpesa yakazosiya zvekuita bhizimusi muKenya.
Bitpesa yaive nzira yakakosha yekuwana mabitcoins (kutenga nekutengesa), saka kuenda kwavo, kwakakanganisa mashandisirwo emabitcoins nenzira dzekumawana.
Vanhu vakasimukira nezvakaitika izvi vanhu vemisika yepeer-to-peer bitcoin iyo isinei nemunhu anoshandisa bhanga kana M-Pesa."
Local bitcoins ndiyo yakatanga kupa vanhu zvinoenderena nezvavaida. Hona chati iyi inoratidza kuwedzera kwehuwandu kubva pakavharwa Bitpesa. Huwandu parizvino hwemari hunosvika 150 miriyoni pavhiki.

Munoona chi, pamwe pacho vatongi vezvinhu izvi vakapusa uye havanzwisisi zvachose. Kana makavhara nzira dzepamutemo dzekutenga nekutengesa bitcoin, peer-to-peer trades dzinowedzera nekuti hunhu hwebitcoin nemacryptocurrencies ndehwe peer-to-peer. Peer-to-peer transactions hadzina anodzitonga uye dzakavanzika.
Heino chati yehuwandu hwe peer-to-peer muKenya pane imwe misika ye peer-to-peer, Paxful. Huwandu hwepa vhiki rega rega, 178 miriyoni pasvondo kubva svondo rapfura.

Nemarongerwo ekambani yakaita seBitpesa, mutongi wezvemshandisirwo emabitcoins nedzimwe mari munyika anogona kumanikidza makambani kuti aite zvavanoda kuburikidza nekuti makambani avape mareports nekuona mari irikupinda nekubuda mu bitcoin nemacryptocurrencies."
- Vanoshndisa mabitcoins -users
- Kambani yeBitcoin -Bitcoin company
- Mpesa โ mpesa
- Bhanga - bank

- Vanoteedzera zviri pamitemo(compliant)
- Tinogona kuona zvatinoda(traceable)
- Zvinobva mumari yakachena (clean)
Nemisika ye peer-to-peer, hunhu hwekutengeserana hauwanike nekuti mari inobva kuaccount yemumwe munhu ichienda kune imwe account yemumwe munhu, bhanga, M-Pesa nemutongi wemashandisiro emabitcoins nedzimwe mari munyika haagoni kuziva chinangwa chemari yashandiswa. Asi pamwe pacho, inogona yangaitori transaction yekutengeserana bitcoin.

Local bitcoins 150 miriyoni KES pavhiki Paxful 178 miriyoni KES pavhiki Binance P2P (hazvizivikanwe) Local cryptos (hazvizivikanwe) Offline trades (hazvizivikanwe) Offshore trades (hazvizivikanwe) Citibank muna 2018 yakataura kuti vanhu vekuKenya vane 163 bhiriyoni muBitcoin Paxful yakati 'VekuKenya vakatengeserana 6 bhiriyoni muna 2020.โ
Honai, hapana nzira yekuziva chaizvo kuti imarii iri kufamba mukati, nekubuda mu bitcoin nemacryptocurrencies. Iri ndiro dambudziko kune vanoona nezvimitemo. Vanofunga kuti vakangwara nekuvhara nzira dzepamutemo, asi vanongosimudzira kuhwandiswa kwehuwandu hwemabitcoins husiri pamutemo.
Fungidziro yangu yakadzikama ndeye kuti:
500 miriyoni pavhiki muKenya yakapetwa (multiply) ka52 mavhiki, inokwanisa kusvika 25 bhiriyoni pagore.
Fungidziro yakadzikama
Kutengeserana nenzira yePeer-to-peer yebitcoin nemacryptocurrencies ndiyo chete nzira (model) inoshanda kunyangwe paine maonero emaCentral Bank. Yakanakira kugadzira mikana yekuwana mari kune vechidiki.
Hona izvi threadopen in new window
Peer to peer uye nekutengeserana kusiri pamutemo kwemacryptocurrencies seBitcoin kunowedzera matambudziko emumhepo kuhurongwa hwemari hweKenya nekuti mari inoiswa mubitcoin haigone kudzorerwa pakare nani zvake.
Chikumi (June) 30, 2020
Bitcoin Case at Kenyaโs Milimani Law Courts Sets Precedenceopen in new window
Zvinondishamisa kuona vamiriri vemitemo vekuKenya, vakuru vakuru uye nenyanzvi dze โFintechโ vachifunga kuti macryptocurrencies anokwanisa โkungovigwaโ , izvi zvinongoratidza kupusa kwavo. Ndakasangana neVAKAWANDA CHAIZVO mumakore nomwe apfura and HAVANYATSONZISISWA!
Gore rega rega ravanononoka, huwandu hwepachivande hunowedzera.
Zvita December 16, 2020
UGANDA ichangobva kushandura Anti Money Laundering Act 2013 kuti iise vanopa mukana wekushandisa mari dzakasiyana dzemumhepo. Pamwe ndicho chinhu chimwe chete chavakakwanisa kuita sehurumende mudunhu iri kugadzirisa nyaya dzataurwa dziri pamusoro.
February 5, 2020 (Present) Day
Mumaonero angu, nekuda kwechiziviso cheCentral Bank yeNigeria ๐ณ๐ฌ, tinofanirwa kutarisira kuona maitiro akafanana neaya akaonekwa kuKenya ๐ฐ๐ช
Saizvozvo,ndinofungira kuti isusu tichasangana nazvo zvinopfura ivo nekuti Nigeria yakakura ka10 kupfura Kenya uye ine nhoroondo refu yekuderedzwa kwemari nekutengeserana kwemari zvisiri pamutemo.
Hona izvi threadopen in new window
Heino chinyorwa chema mechanics ekutengeserana kwepachivande kwakatorwa kubva kuSomali Hawala networks. Mamwe maitiro emamechanics ari kushanda muBitcoin crypto peer to peer mukutengeserana kwepachivande(online neoffline).
โData rakatorwa kubva kuCoin Dance neplatform yecrypto yepasi rose Paxful, inoratidza kuti Nigeria ndiyo iripamberi paP2P bitcoin marketplace pasi rose, inopfura 52% yehuwandu hwemusika iwoyo. Mumakore mashanu apfura 60,215 bitcoin transactions anosvika $566 miriyoni, ichitora nzvimbo yechipiri kumashure kweUnited Statesโ
Iyi data inobva kuPaxful chete, imwe yemapeer to peer bitcoin trading platforms akawanda. Shamwari dzangu dziri kuNigeria dzinondiudza kuti kune HUWANDU hunopfura uyu kunotengeseranwa nezira yeP2P.
Mabhisimusi eCrypto muNigeria Flag of Nigeria akaudza vashandisi kuti havagone kuwana mari yenyika kuburikidza nenzira dzepamutemo.
โBundle yakabhadhara mari inopfura $85 Miriyoni uye yakapa vanhu maccount vanopfura 124K Vashandisi muna 2020.โ
Pane munhu here anofunga kuti kurambidzwa kwenzira dzekubhadhara dzepamutemo nema Central Banks kungaderedza kudiwa kwebitcoin nemacryptocurrencies? Tingatii, nemutengo wayo urikukwira, uye nemikana yekuwana mari ikubuda mumacryptocurrencies, dapps uye kuvandudzwa kwekuishandisa kwakanyanya mukurarama?
Uku kurwisana kwepolitics yevaridzi vemashandisirwo emabhanga ekare nemashandisiro nemagadzirirwo emabitcoin cryptocurrencies. Mumakore angu ese ekushandisa bitcoin, ndine chokwadi chekuti bitcoin nemacryptocurrencies zvichakunda. Hurumende dzemuAfrica nemabhanga awo haana zvikwanisiro zvinodiwa uye hadzikwanise kumisa zvingaitwe nebitcoin zvachose.
Sarudzo yavo chete ndeyekushandisa nekubvumidza kushandiswa kwemacryptocurrencies anenge bitcoin, vasati vazvinonokera.
Ndichaedza kutaura naeditor wedu kuti agoisa thread iyi sechinyorwa chaicho.
/MAGUMO
Kana uchida kuverenga zvimwe zvinyorwa readopen in new window